Key Eb [/m.,m;m .m;r.m/f.s;m;-/]
1
Watakura kuipa Jesu
Kusi kuipa kwako;
Ukaripa mhoswa Jesu,
Isi mhoswa yako.
2
Waibo munhu unetsitsi,
Usatadza iwe;
Raparara ropa rako
Wakanaka Iwe
3
Kudarika kwedu kwose
Kwakanyorwa newe
Nezvirandu zvedu zvose
Zvakanyorwa newe
4
Taregerwa taponiswa
Nezvirwadzo zvako;
Tinoshamba pakaipa
Nero ropa rako.